Upenyu Onawo Chiedza, Chiedza chaKristu; Upenyu Hwokusingaperi Kurarama kwenguva pfupi nekwemweya kwakakwanisika kuti kuvepo kuburikidza nesimba raMwari. Ndaisa pamberi pako zuva ranhasi upenyu nekunaka, Deut. 30:15–20. Muchandiratidza nzira yeupenyu, Mpi. 16:11. Uyo anotevedza kururama anowana upenyu, Zir. 21:21. Uyo anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo uye uyo anorasikirwa neupenyu hwake pamusana pangu achahuwana, Mat. 10:39 (Mat. 16:25; Marko 8:35; Ruka 9:24; 17:33). Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu, asi kuvaponesa, Ruka 9:56. Maari maive neupenyu, uye upenyu hwaive chiedza chevanhu, Joh. 1:4. Uyo anodaira pane uyo akandituma anopfuudzwa kubva kurufu kuenda muupenyu, Joh. 5:24. Ndini nzira, chokwadi neupenyu, Joh. 14:6. Kana muupenyu huno chete tikave netariro muna Kristu, tiri vakasuwa zvikuru, â… Â VaKori. 15:19–22. Humwari hune ruvimbiso rweupenyu huripo iye zvino, nehwe uhwo hwuchauya, â… Â Tim. 4:8. Vana vedu vangatarisire kune upenyu uhwo huri muna Kristu, 2 Ni. 25:23–27. Upenyu huno inguva yekuti vanhu vagadzirire kusangana naMwari, Aru. 34:32 (Aru. 12:24). Ndini chiedza neupenyu hwenyika, 3 Ni. 9:18 (Mosaya 16:9; 3 Ni. 11:11; Eta 4:12). Vakakomborerwa avo vakatendeka muupenyu kana murufu, D&Z 50:5. Uhu ndihwo upenyu hwokusingaperi—kuziva Mwari naJesu Kristu, D&Z 132:24. Iri ndiro basa rangu nekubwinya—kuunza kuti zvipfuure upenyu hwekusafa nehwokusingaperi hwevanhu, Mos. 1:39.