Hondo Onawo Runyararo Hondo kana kurwisana nezvombo; kurwa nezvombo. Ishe vanobvumira hondo chete sechinhu chekupedzisira chekuti Vatendi vadzivirire mhuri dzavo, zvinhu zvavo, zvavanofanira kuve, nekusununguka (Aru. 43:9, 45–47). Moronai akatsvaka kudzivirira vanhu vake, zvinhu zvake, nyika yake, nechitendero chake, Aru. 48:10–17. Joseph Smith akatambira zvakazarurwa nechiporofita pamusoro pehondo, D&Z 87. Ramba hondo udaidzire runyararo, D&Z 98:16, 34–46. Tinodaira kuti vanhu vanofanira kuzvidzivirira, shamwari dzavo, nezvinhu, nehurumende, D&Z 134:11. Tinodaira mukuteerera, kukudza, nokutsigira murau, Mis. yeCh. 1:12.