Kusunga Onawo Erija; Hupirisita; Zvisungo Kuita kuti zvitambirwe kudenga zvisungo zvinoitwa nemvumo yehupirisita. Zvisungo zvinosimbiswa kana zvagashira kutsigira kutenderwa kweMweya Mutsvene weRuvimbiso, uyo unove ndiwo Mweya Mutsvene. Chiri chose zvacho chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, Mat. 16:19 (Mat. 18:18; D&Z 124:93; 132:46). Makasungwa neuyo Mweya weChivimbiso, VaE. 1:13. Ndinopa kwamuri simba, kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwawo kudenga, Hir. 10:7. Kwavari kunopiwa simba rekusunganidza pano pasi nokudenga, D&Z 1:8. Avo vari vekubwinya kweseresitiyaro vanosungwa neMweya Mutsvene weChivimbiso, D&Z 76:50–70. Erija anoisa kiyi dzesimba rekusunga mumaoko aJoseph Smith, D&Z 110:13–16. Iri ndiro simba rekusunga nekubatanidza, D&Z 128:14. Izwi riri rechokwadi rehuporofita rinoreva kuziva kuti wakasungwa kuupenyu hwokusingaperi, D&Z 131:5. Zvose zvibvumirano zvisina kusungwa neMweya Mutsvene weChivimbiso zvinopera kana vanhu vafa, D&Z 132:7. Basa guru richaitwa mumatemberi rinosanganisa kusunganidzwa kwevana kuvabereki vavo, D&Z 138:47–48.