Akarurama Onawo Anechiremera; Asakarurama; Famba, Famba naMwari; Kutendeka; Mirairo yaMwari Kuve akanaka, mutsvene, anehunhu, akatwasanuka; anoita nokuteerera mirairo yaMwari; anonzvenga chitadzo. Ishe vacharopafadza vakarurama, Mpi. 5:12. Maziso aIshe ari pane vakarurama, Mpi. 34:15, 17 (â… Â Pet. 3:12). Kana vakarurama vave musimba, vanhu vanofara, Zir. 29:2 (D&Z 98:9–10). Vakaropafadzwa avo vanonzwira nzara nenyota yekururama, Mat. 5:6 (3 Ni. 12:6). Tsvagai kutanga umambo hwaMwari nokururama kwavo, Mat. 6:33. Vakarurama vanoenda muupenyu hwokusingaperi, Mat. 25:46. Munamato wakadzama wemunhu akarurama unowanisa zvakawanda, Jkb. 5:16. Uyo akarurama anodikanwa naMwari, 1 Ni. 17:35. Achachengetedza vakarurama; havafanire kutya, 1 Ni. 22:17, 22. Satani haazowana simba pamusana pekururama kwevanhu vaIshe, 1 Ni. 22:26. Kana pasina kururama hapana mufaro, 2 Ni. 2:13. Vakarurama vachagara nhaka yeumambo hwaMwari, 2 Ni. 9:18. Vakarurama havatye mazwi echokwadi, 2 Ni. 9:40. Vose vanhu vakafanira kupindurwa kuti vave vane chimiro chekururama, Mosaya 27:25–26. Mazita evakarurama achanyorwa mubhuku reupenyu, Aru. 5:58. Makatsvaga mufaro mukuita zvakaipa, zviri zvakasiyana nemurau wekururama, Hir. 13:38. Rwiyo rwevakarurama munamato kwandiri, D&Z 25:12. Mirai muine gandautare repachipfuva rekururama, D&Z 27:16 (VaE. 6:14). Rufu rwevakarurama rwunotapira kwavari, D&Z 42:46. Vakarurama vachaunganidzwa kubva mukati memarudzi ose, D&Z 45:71. Vanhu vakafanira kuunza kuitika kwekururama kwakanyanya nokuda kwavo, D&Z 58:27. Uyo anoita mabasa ekururama achagashira runyararo munyika ino noupenyu hwokusingaperi munyika ichauya, D&Z 59:23. Pakuuya kwechipiri, kuchave nerupatsanuro rwakakwana rwevakarurama nevakaipa, D&Z 63:54. Masimba edenga anogona kubatwa chete pamusoro pemirau yekururama, D&Z 121:36. Pakati pevakarurama paive nerunyararo, D&Z 138:22. Vanhu veZioni vaigara mukururama, Mos. 7:18. Abrahama aiva muteveri wekururama, Abr. 1:2.