Kusvibisa Onawo Kutaura zvisinakanaka Kusakudza kana kushora zvinhu zvinoera; kunyanya, kushaya rukudzo rwezita raMwari. Musazotora zita raIshe Mwari venyu muzvisina maturo, Eks. 20:7 (2 Ni. 26:32; Mosaya 13:15; D&Z 136:21). Tinosvibisirei chitenderano chamadzibaba edu? Mara. 2:10. Rose shoko risina maturo richataurwa nevanhu, vachari daira pakutongwa, Mat. 12:34–37. Mumuromo mumwecheteyo munobuda makomborero nokutuka, zviri zvisina kufanira kudaro, Jkb. 3:10. Mazwi edu achatipa mhosva, Aru. 12:14 (Mosaya 4:30). Vose vanhu ngavachenjerere kuti vanotora sei zita rangu pamiromo yavo, D&Z 63:61–62.