Kufadza Nyama Onawo Hunhu; Hupombwe; Kusangana kusina kururama; Kusazvibata nehupombwe; Ruchiva Kuda kana kuva nechido chezvinhu zvisina kururama zvekuzvifadzisa nyama, kunyanya zvekusangana zvisakarurama. Mudzimai watenzi wake akaisa maziso ake pana Josefa, Gen. 39:7. Ani zvake anotarisa pamukadzi achimuchiva arikuita upombwe, Mat. 5:28 (3Â Ni. 12:28). Ibvai kuruchiva rwenyama, rwunorwisa mweya, â… Â Pet. 2:11. Ruchiva rwenyama neruchiva rwemaziso hazvisi zvaBaba, â… Â Joh. 2:16. Chiregai kutevedza zvakare ruchiva rwemaziso enyu, Aru. 39:9. Nekutyora mitemo mitsvene, munhu akave anofadza nyama, D&Z 20:20. Kana pane vanoita upombwe mumwoyo yavo, havachazove neMweya, D&Z 63:16. Regerai zvose zvido zveruchiva, D&Z 88:121. Vanhu vakatanga kuita sekunzwa kwazvo, vakafadza nyama, vakasviba, vakave neudhiabhorosi, Mos. 5:13 (Mosaya 16:3; Mos. 6:49).