Cowdery, Oliver Gosa rechipiri reChechi yakadzorerwa uye mumwe weVapupuri Vatatu mukutanga kutsvene neuchokwadi hweBhuku raMormoni. Aiita semunyori Joseph Smith achidudzira Bhuku raMormoni kubva kumahwendefa egoridhe (Nh—JS 1:66–68). Akatambira uchapupu hwechokwadi hwekududzirwa kweBhuku raMormoni, D&Z 6:17, 22–24. Akagadzwa naJohane Mubapatidzi, D&Z 13 (D&Z 27:8; Nh—JS 1:68–73, tarisai chiziviso kundima 71). Mushure mekunge mawana rutendo uye mazviona nemaziso enyu, muchapupura kuti mazviona, D&Z 17:3, 5. Ndakaisa pachena kwamuri, neMweya wangu, kuti zvinhu zvamakanyora ndezvechokwaki, D&Z 18:2. Akasarudzwa akagadzwa semumwe wevashandi pamusoro pezvakazarurwa, D&Z 70:3. Akatambira kiyi dzehupirisita naJoseph Smith, D&Z 110.