Hagai
Muporofita wemuTestamente yaKare akaporofita mungangove mugore ra520 Kristu asati azvarwa muJerusarema, mushure mechinguvana vanhu vechiJuda vadzoka kubva muBabironi (Ezra 5:1; 6:14). Akataura nezvekuvaka zvakare temberi yaIshe muJerusarema akatsiura vanhu nokuti yakanga isati yapera. Akanyorawo nezvetemberi yenguva dzemereniamu nekutonga kweMuponesi.
Bhuku raHagai
Muchitsauko 1 Ishe vakatsiura vanhu nokugara mudzimba dzavo dzakapera iyo temberi igere isina kuvakwa. Chitsauko 2 zvinyorwa zvechiporofita chaHagai kuti Ishe vachapa runyararo mutemberi yavo.