Akazvininipisa Onawo Akapfava; Kudada; Kusasimba; Murombo; Mwoyo Wakatyoka Kuita munyoro nekudzidzisika, kana chinhanho chekuve munyoro uchidzidzisika. Kuzvininipisa kunosanganisa kuona kwedu kuti timire naMwari nokuda kuti tizviise pasi pechido chavo. Mwari vakakutungamirirai makumi mana emakore musango kukuninipisai, Deut. 8:2. Ndakaninipisa mweya wangu nokutsanya, Mpi. 35:13. Zvirinani kuve mwana murombo uye akangwara pana mambo akwegura ari benzi, Mpa. 4:13. Ishe vanogara naye uyo akazvirereka, Isa. 57:15. Ani zvake akazvininipisa semwana kadiki aka, iyeyo mukurukuru muumambo hwekudenga, Mat. 18:4. Uyo achazvininipisa achasimudzirwa, Mat. 23:12 (Ruka 14:11; 18:14). Jesu akazvirereka uye akave anoterera kusvika mukufa, VaF. 2:8 (Ruka 22:42; 23:46). Mwari vanoramba vanozvikudza, uye achipa nyasha kune vanozvininipisa, â… Â Pet. 5:5–6 (2 Ni. 9:42). Zvirerekei pachenyu muhudzame hwekunyorova, Mosaya 4:11 (2 Ni. 9:42; 3 Ni. 12:2). Mati mambozvininipisa zvakakwana here? Aru. 5:27–28. Chikwata chevanhu chakanyanya kuninipisa chakave chakasimba mukuzvininipisa, Hir. 3:33–35. Ndinopa kuvanhu kusasimba kuti vave vakazvirereka, Eta 12:27. Kuzvininipisa kunosvitsa mukubhabhatidzwa, D&Z 20:37. Zvininipisei pamberi pangu uye muchandiona uye mugoziva kuti ndini, D&Z 67:10. Zvininipisei uye Ishe vachakupai mhinduro kuminamato yenyu, D&Z 112:10. Regai uyo asingazive adzidze ungwaru nokuzvininipisa, D&Z 136:32. Mweya unotumirwa kujekesera vakazvininipisa, D&Z 136:33.