Obadia
Muporofita wemuTestamente yaKare akafanodudzira zvekuparadzwa kweEdomi. Akaporofita zvimwe munguva yekutonga kwaJehorami (838–844 Kristu asati azvarwa). Kana kuti nguva dzekupindirwa neveBabironi muna 586 Kristu asati azvarwa.
Bhuku raObadia
Bhuku riri muTestamente yaKare. Rine chitsauko chimwechete chete. Mariri Obadia akanyora zvekupunzika kweEdomi uye akaporofita kuti vakaponeswa vachamira pamusoro peGomo Zioni.