Kushaya huMwari Onawo Akaipa; Asakarurama; Chitadzo; Hutsvina Mumwe munhu kana chimwe chinhu chisiri maererano nechido kana mirairo yaMwari; akaipa uye ari mutsvene. Nzira yevasina mwari ichafa, Mpi. 1:6. Kana vakarurama zvakaoma kuti vaponiswe, ko vasina mwari vachaonekwa vari papi? â… Â Pet. 4:18. Zvirambirei mega zvose zvisina humwari, Moro. 10:32. Kutsividza kunouya nokukurumidza kune vasina umwari, D&Z 97:22. Pakati pevasina umwari, izwi reMuponesi harina kumbosimudzwa, D&Z 138:20.