Mabasa Mabasa emunhu, akanaka kana akaipa. Wose munhu achatongwa nemabasa ake. Ishe vachapa kumunhu wose maererano nemabasa ake, Zir. 24:12. Regai chiedza chenyu chipenye pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, Mat. 5:16 (3 Ni. 12:16). Uyo anoita chido chaBaba vangu achapinda muumambo hwekudenga, Mat. 7:21. Rutendo rwusina mabasa rwakafa, Jkb. 2:14–26. Vakafanira kutongwa nemabasa avo, 1 Ni. 15:32 (Mosaya 3:24). Tinoziva kuti inyasha dzinoita kuti tiponiswe, mushure mezvose zvatingaite, 2 Ni. 25:23. Vadzidzisei kuti vasamboneta kuita mabasa akanaka, Aru. 37:34. Zvinofanirwa kuti vanhu vatongwe maererano nemabasa avo, Aru. 41:3. Nemabasa avo muchavaziva, Moro. 7:5 (D&Z 18:38). Ini, Ishe, ndichatonga vanhu vose maererano nemabasa avo, D&Z 137:9.