Asakarurama Onawo Akaipa; Akarurama; Chitadzo; Hutsvina; Kushaya huMwari Vakaipa, vasina kutwasanuka; vanhu vasingade Mwari kana zvinhu zvaMwari uye avo vasingatsigire zvinangwa zvake. Vasina kururama havazogara nhaka yeumambo hwaMwari, â… Â VaKori. 6:9–10. Avo vane rufaro mukusarurama vanotongwa, â…¡Â VaT. 2:12. Jesu Kristu anogona kutisuka kubva mukusarurama kwose, â… Â Joh. 1:9. Mambo asina kururama anosvibisa nzira dzose dzekururama, Mosaya 29:23. Hwaro hwekuparadzwa hunoiswa nekusarurama kwemagweta nevatongi, Aru. 10:27. Ndinokutumirai kunze kuti munotsiura nyika pamusoro pemabasa asina kururama, D&Z 84:87. Mweya wakafanira kucheneswa kubva mukusarurama kwose, D&Z 88:17–18. Zviri muvanhu vose kuti vatange zviito zvekudzvinyirira zvisina kururama, D&Z 121:39.