VaKorinte, Magwaro ku
Mabhuku maviri muTestamente Itsva. Aive pakutanga tsamba dzakanyorwa naPauro kuVatendi muKorinte kugadziridza bvonga-bvonga raive pakati pavo. vaKorinte vakange vagere muvanhu vakanga vaine hunhu hwakaipa.
VaKorinte Vekutanga
Chitsauko 1 chine kukwazisa kwaPauro nemazwi ekutenda. Zvitsauko 2–6 ndezvekugadzirisa kwaPauro kutadza kweVatendi vevaKorinte. Zvitsauko 7–12 zvine Mhinduro dzaPauro kune zvimwe zvaibvunzwa. Zvitsauko 13–15 zvine zverudo, zvipo zvemweya, nekumuka kuvakafa. Chitsauko 16 chine kuraira kwaPauro kuti mirai makasimba murutendo.
VaKorinte Vechipiri
Chitsauko 1 chine kukwazisa kwaPauro nemazwi ekutenda. Chitsauko 2 chine mazwi ekuraira Tito. Zvitsauko 3–7 zvinotaura nezvesimba revhangeri muupenyu hweVatendi nevatungamiri vavo. Zvitsauko 8–9 zvinoraira Vatendi kuti vave vakafaranuka mukupa kuvarombo. Zvitsauko 10–12 zvinotaura nezvenzvimbo yaPauro seMuapositori. Chitsauko 13 chinotsiura kuti tive vakarurama.