Zvibatsiro Zvekudzidza
Ameni


Ameni

Zvinoreva kuti “zvive saizvozvo” kana “ndizvozvo.” Ameni inotaurwa kuratidza kutenda nemwoyo wose kana kubvumira kwakapfava nechibvumirano (Deut. 27:14–26) kana chokwadi chizere (Ⅰ Madz. 1:36). Nhasi mushure meminamato, uchapupu, nekutaura, avo vanenge vanzwa munamato kana shoko vanoti ameni nemazwi anonzwika kuratidza kubvumira nekugamuchira.

Munguva dzeTestamente yaKare, munhu aifanirwa kuti ati ameni kana arikuita chitsidzo (Ⅰ Mak. 16:7, 35–36; Neh. 5:13; 8:2–6). Kristu anonzi “ndiye Ameni, muvimbiki nemupupuri wechokwadi” (Zvaka. 3:14). Ameni yaishandiswawo sechiratidzo chechibvumirano muChikoro cheVaporofita (D&Z 88:133–135).