Kudzorerwa pakare kweVhangeri
Kumisa kwaMwari zvakare chokwadi nezvisungo zvevhangeri rake mukati mevanhu pano pasi. Vhangeri raJesu Kristu rakarasika kubva pano pasi kuburikidza nekurasika kwakaitika zvichitevedza kushumira panyika kweVaapositori vaKristu. Kurasika ikoku ndiko kwakaita kuti vhangeri ridzorerwe pakare. Kuburikidza nezviratidzo, kushumira kwengirozi, nezvaiiswa pachena kuvanhu pano pasi, Mwari vakadzorera vhangeri. Kudzorerwa kwakatanga neMuporofita Joseph Smith (Nh—JS 1:1–75; D&Z 128:20–21) uyezve kuchiri kuitika kusvika nhasi kuburikidza nebasa raMaporofita vaIshe vapenyu.