Kuzvisarudzira Onawo Kudavira; Kusununguka Kwaniso nemukana unopihwa naMwari kuvanhu kuti vasarudze nokuzviitira pechavo. Zvemimwe miti yose wakasununguka kuidya zvako, Gen. 2:16. Munhu haaikwanisa kuzviitira ega kunze kwekunge akwezwa, 2 Ni. 2:15–16. Vanhu vakasununguka kusarudza rusununguko neupenyu hwokusingaperi kana kuti usungwa nerufu, 2 Ni. 2:27. Makasununguka; munobvumirwa kuzviitira pachenyu, Hir. 14:30. Chikamu chemuzvitatu chemhomho yekudenga chakandiramba pamusana pekuzvisarudzira kwavo, D&Z 29:36. Zvakafanira kuti Dhiabhorosi aedze vanhu, kana havangazove vanozvifungira, D&Z 29:39. Rega munhu wose azvisarudzire pachake, D&Z 37:4. Wose munhu anokwanisa kuita zviri maererano nekuzvibata pamafungiro ekusarudza chakaipa nechakanaka andakamupa, D&Z 101:78. Satani akatsvaga kuparadza kuzvisarudzira kwemunhu, Mos. 4:3. Ishe vakapa kumunhu kuzvisarudzira kwake, Mos. 7:32.