Anovimbika Onawo Kutendeka Kuve nedi, zvechokwadi, uye pasina kunyengedza. Avo vose vanoita nechokwadi rufaro rwaIshe, Zir. 12:22. Ripai icho chamakatsidzira, Mpa. 5:4–5. Takaramba zvinhu zvakavanzika zvekusavimbika, â…¡Â VaKori. 4:1–2. Itai kutaura kwenyu kuve kwakavimbika, â… Â Pet. 2:12. Nhamo kune munyepi, nokuti achakandwa pasi kugehena, 2 Ni. 9:34. Mweya unotaura chokwadi uye haunyepe, Jak. 4:13. Ani nani zvake anokwereta kumuvakidzani wake akafanira kudzosera chinhu chaakakwereta, Mosaya 4:28 (D&Z 136:25). Wonai kuti munoshanda zvakarurama, tongai zvakarurama, uye muite zvakanaka, Aru. 41:14. Wose munhu anofanira kubata zvakavimbika, D&Z 51:9. Vose vanoziva kuti mwoyo yavo yakavimbika vanobvumwa neni, D&Z 97:8. Varume vanovimbika, vakangwara, uye vakanaka vakafanira kutsvangirwa zvinzvimbo mune zvematongerwo enyika, D&Z 98:4–10. Tsvakai nesimba kudzorera icho chakaraswa nemuvakidzani wako, D&Z 136:26. Tinodaira mukuve takavimbika, Mis. yeCh. 1:13.