Mutendi Onawo Chechi yaJesu Kristu; Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira; MaKristu Nhengo ine rutendo yeChechi raJesu Kristu. Unganidza Vatendi vangu kwandiri, Mpi. 50:5. Sauro akaita zvakaipa zvikuru kuVatendi paJerusarema, Mabasa 9:1–21. Petro akadzikawo kuVatendi vaigara kuRida, Mabasa 9:32. Nyasha nerunyararo kune vose vari muRoma, vakadaidzwa kuti vave Vatendi, VaR. 1:7. Muri vagarisani pamwe neVatendi, VaE. 2:19–21. Ndakaona Chechi reGwayana, avo vaive Vatendi vaMwari, 1 Ni. 14:12. Munhu wenyama imhandu yaMwari kunze kwekunge ave Mutendi kuburikidza nerudzikinuro rwaKristu, Mosaya 3:19. Ini, Ishe, ndakaropafadza nyika kuitira kushandiswa neVatendi vangu, D&Z 61:17. Satani anoita hondo neVatendi vaMwari, D&Z 76:28–29. Shandai makashinga kugadzirira Vatendi kutongwa uko kuchauya, D&Z 88:84–85. Vatendi vakafanira kupa zvavanenge vainazvo kuvarombo nevari kutambudzwa, D&Z 105:3. Zvigaro izvi zviri pamusoro ndakazvipira basa rekushumira nekukwanisa Vatendi, D&Z 124:143 (VaE. 4:12).