Famba, Famba naMwari Onawo Akarurama; Anoteerera; Nzira Kuve mukuwirirana nedzidziso yaMwari nokugara kunodiwa naMwari kuti vanhu vavo vararame vagove vanogashira; nekuteerera kutunhwa neMweya Mutsvene. Ndingangovaedza, kuti vachafamba mumutemo wangu here, kana kuti kwete, Eks. 16:4. Hapana chinhu chakanaka chavachanyimwa avo vanofamba vakatwasanuka, Mpi. 84:11. Avo vanofamba mumurau wangu vachichengeta zvisungo zvangu vachave vanhu vangu, Ezk. 11:20–21 (Deut. 8:6). Ko Ishe vanoda chimwe chii kwamuri asi kuti mufambe makazvirereka naMwari? Mika 6:8 (D&Z 11:12). Fambai muchiedza, sezvo Mwari vari muchiedza, â… Â Joh. 1:7 (â…¡Â Joh. 1:6; 4 Ni. 1:12; Ⅲ Joh. 1:4). Fambai mukanzira kakamanikana kanoenda kuupenyu, 2 Ni. 33:9. Mambo Benjamini aifamba asina chaanotya pamberi paMwari, Mosaya 2:27. Basa renyu kufamba musina chamunoshorwa mugungano dzvene raMwari, Aru. 7:22. Nhengo dzeChechi dzicharatidza kufamba kweumwari nemukukurukura, D&Z 20:69. Teererai kumuporofita uye mufambe muutsvene hwose pamberi paIshe, D&Z 21:4. Dzidzisai vana kunamata nekufamba vakaswatanuka pamberi paIshe, D&Z 68:28. Garai mandiri, uye Ini mamuri; saka fambai neni, Mos. 6:34.