Zvenyama Onawo Kufadza Nyama; Kupunzika kwaAdama naEva; Munhu weNyama Chimwe chinhu chisiri chemweya; chaizvo-izvo izwi rinogona kushandiswa kureva upenyu kana zvinopfuura (D&Z 67:10) kana zvenyika, zvenyama, nezvinofadza nyama (Mosaya 16:10–12). Kuve nepfungwa yezvenyama rufu, 2 Ni. 9:39. Dhiabhorosi anokwezvera vanhu mukugadzikana kwenyama, 2 Ni. 28:21. Vainge vazviona pachavo vari munzvimbo yavo yenyama, Mosaya 4:2. Uyo anoramba akashingirira ari munzvimbo yenyama anoramba ari munzvimbo yake yekupunzika, Mosaya 16:5. Vose vakafanira kuzvarwa naMwari, vopindurwa kubva munzvimbo yavo yenyama yakapunzika, Mosaya 27:25. Rudzi rwevanhu rwakange rwave rwenyama, rwuchifadza nyama, nehudhiabhorosi, Aru. 42:10. Avo vanotevedza zvavanoda ivo nezvinodiwa munyama vanofanira kupunzika, D&Z 3:4. Munhu haangaone Mwari nepfungwa yenyama, D&Z 67:10–12. Vanhu vakatanga kuve venyama, nemakaro, nehudhiabhorosi, Mos. 5:13; 6:49.