Chigaro, Munhu anechigaro Onawo Gadza; Hupirisita Chinzvimbo chine simba kana basa mugungano, kazhinji zvinoshandiswa mumagwaro matsvene kureva chinzvimbo chesimba rehupirisita; zvingangorevawo kuti mabasa anopiwa kuchigaro kana munhu ane chinzvimbo ichocho. Dzose nhengo hadzina zvigaro zvakafanana, VaR. 12:4. Takaremekedza chigaro chedu kuna Ishe, Jak. 1:19. Merkizedeki akatambira chinzvimbo chehupirisita hwepamusoro, Aru. 13:18. Chigaro chemharidzo yengirozi kudaidza vanhu kuti vatendeuke, Moro. 7:31. Hakuna munhu achagadzwa kuchinzvimbo chipi zvacho muChechi muno asina kusarudzwa neChechi iyoyo, D&Z 20:65. Regai munhu wose amire muchinzvimbo chake, D&Z 84:109. Kune vatungamiri, kana vatungamiri vezvigaro, vanotorwa kubva mukati meavo vakagadzwa muzvinzvimbo dzehupirisita huviri uhu, D&Z 107:21. Mabasa eavo vanotungamira zvinzvimbo zvezvikwata hupirisita anotsanangurwa, D&Z 107:85–98. Regai wose munhu adzidze basa rake, nokushanda muchinzvimbo icho chaaiswa, D&Z 107:99–100. Ndinokupai vabati vezvigaro vemuHupirisita hwangu, D&Z 124:123.