Zvibatsiro Zvekudzidza
Harris, Martin


Harris, Martin

Mumwe wevapupuri vatatu kumavambo matsvene nehuchokwadi hweBhuku raMormoni. Akayamura Joseph Smith neChechi nemari. Ishe vakakumbira Martin Harris kuti atengese pfuma yake uye kuti ape mari yake kuti ibhadhare kushambadzwa kweBhuku raMormoni (D&Z 19:26–27, 34–35); kuti ave muenzaniso kuChechi (D&Z 58:35); nekuyamura kubhadharira basa rekuparidza (D&Z 104:26).

Martin Harris akatandwa kubva muChechi asi mushure akazodzoka kuve nhengo izere. Kusvika mukupera kweupenyu hwake aipupura kuti akaona ngirozi Moronai nemahwendefa egoridhe naJoseph Smith umomakabva Bhuku raMormoni.

Dhinda