Mvumo Onawo Akadaidzwa naMwari; Gadza; Hupirisita; Kiyi dzeHupirisita; Simba Mvumo yakapiwa vanhu pano pasi vanodaidzwa kana kugadzwa kuti vaitire uye vakamiririra Mwari Baba kana Jesu Kristu mukuita basa raMwari. Ndakutuma iwe, Eks. 3:12–15. Taura zvose zvandinoti uite, Eks. 7:2. Akapa vadzidzi vanegumi nevaviri simba, Mat. 10:1. Imi hamuna kundisarudza, asi ndini ndakakusarudzai, uye ndikakugadzai, Joh. 15:16. Nifai naRihai vaiparidza nemasimba makuru, Hir. 5:18. Nifai mwanakomana waHiramani, akanga ari munhu waMwari, aine simba guru nemvumo kubva kuna Mwari, Hir. 11:18 (3 Ni. 7:17). Jesu akapa simba nemvumo kune vanegumi nevaviri maNifai, 3 Ni. 12:1–2. Joseph Smith akadaidzwa naMwari uye akagadzwa, D&Z 20:2. Hakuna achaparidza vhangeri rangu kana kuvaka Chechi yangu kunze kwekunge agadzwa uye zvichizivikanwa kuChechi kuti anemvumo, D&Z 42:11. Magosa ndivo vanoparidza vhangeri, vachishanda vari mumvumo, D&Z 68:8. Hupirisita hwaMerkizedeki hune mvumo yekushandira zvinhu zvemweya, D&Z 107:8, 18–19. Chinoitwa nemvumo tsvene chinobva chave murau, D&Z 128:9. Ani zvake anoparidza kana kushandira Mwari akafanira kunge akadaidzwa naMwari neavo vane mvumo, Mis. yeCh. 1:5.