Rusimudzirwo Onawo Dzikinura; Kubwinya kweSeresitiyaro; Munhu—Munhu, kugona kuve saBaba Vekudenga; Ngundu; Upenyu Hwokusingaperi Chinhanho chepamusoro-soro cherufaro nekubwinya muumambo hweseresitiyaro. Pamuri pane kuzara kwemufaro, Mpi. 16:11. Vave vana mwari, kana vanakomana vaMwari—nokudaro, zvose zvinhu ndezvavo, D&Z 76:58–59. Vatendi vachagamuchira nhaka yavo uye vagoitwa kuti vaenzane naye, D&Z 88:107. Ngirozi idzi hadzina kugara mumutemo wangu; naizvozvo, dzinoramba dzakaparadzana dziridzega pasina rusimudzirwo, D&Z 132:17. Varume nevakadzi vakafanira kuchata maererano nemutemo waMwari kuti vawane rusimudzo, D&Z 132:19–20. Isuwo rakamanikana nekanzira kakamanika zvinoenda mukusimudzirwa, D&Z 132:22–23. Abrahama, Isaka naJakobo vakapinda murusimudzirwo rwavo, D&Z 132:29, 37. Ndinobatanidza pauri kusimudzirwa kwako, D&Z 132:49.