Mavambo Onawo Jesu Kristu; Kusika; Upenyu hwenyama husati hwavepo Zvinotaura kazhinji nezvenguva kusati kwave neupenyu huno hwekufa—ndihwo, upenyu tisati tave nenyama. Dzimwe nguva Jesu anotaurwa semavambo. Pakutanga Mwari vakasika denga nepasi, Gen. 1:1 (Mos. 2:1). Pakutanga kwaive neShoko, Joh. 1:1. Ndini Arfa naOmega, mavambo nemagumo, 3 Ni. 9:18. Kristu ndiye mavambo nemagumo, D&Z 19:1. Chibvumirano chitsva uye chisingaperi chakabvira pamavambo, D&Z 22:1. Munhu pakutanga aive naMwari, D&Z 93:23, 29. Vaikudzwa vaine mweya mikuru vaisarudzwa kubvira pamavambo, kuti vave vatongi, D&Z 138:55. Wangu Mumwechete Akaberekwa akanga aineni kubvira pakutanga, Mos. 2:26.