Artari Onawo Mupiro Chinhu chinoshandiswa pazvipiro, mipiro, nokunamatira. Noa akavaka artari kuna Ishe uye akapa mipiro yekupisa, Gen. 8:20. Abrama akavakira Ishe artari, Gen. 12:7–8. Abrahama akasungirira Isaka mwanakomana wake paartari, Gen. 22:9 (Gen. 22:1–13). Jakobo akavakapo artari uye akadaidza nzvimbo yacho kuti Eri-beteri, Gen. 35:6–7. Erija akavaka artari akadaidzira kuvafundisi vaBaari kuti vazviitewo, â… Â Madz. 18:17–40. Kana muchiunza zvipo zvenyu kuartari, tangai mayanana nehama yenyu, Mat. 5:23–24. Ndakaona pasi peartari mweya yeavo vakange vauraiwa pamusoro peshoko raMwari, Zvaka. 6:9 (D&Z 135:7). Rihai akavaka artari yematombo uye akapa kutenda kunaIshe, 1 Ni. 2:7. Abrahama akaponeswa kubva murufu paatari yaErikena, Abr. 1:8–20.