Zvibatsiro Zvekudzidza
Zedekia


Zedekia

MuTestamente yaKare, mambo wekupedzisira wemaJuda (Ⅱ Madz. 24:17–20; 25:2–7). Zedekia akaisa mutirongo muporofita Jeremia (Jer. 32:1–5), uye Jeremia akaporofita usungwa hwaZedekia (Jer. 34:2–8, 21). Rihai nemhuri yake vakagara muJerusarema mugore rekutanga rekutonga kwaZedekia (1 Ni. 1:4). Vose kunze kwemumwechete wevanakomana vaZedekia vakauraiwa; mwanakomana wake Mureki akapunyukira kuMatunhu ekumadokero (Jer. 52:10; Omu. 1:15; Hir. 8:21).

Dhinda