Makororo aGadhiandoni Onawo Huranganwa hwemuruvande MuBhuku raMormoni, chikwata chemakororo chakavambwa nemuNifai akaipa ainzi Gadhiandoni. Hurongwa hwavo hwaive hwekavere-vere nemhiko dzehusatani. Gadhiandoni akakonzera kuparadzwa kwerudzi rwemaNifai, Hir. 2:12–13. Dhiabhorosi akapa mhiko zvekavere-vere nezvibvumirano kuna Gadhiandoni, Hir. 6:16–32. Mubatanidzwa wemuruvande hwakakonzera kuparadzwa kwerudzi rwemaJaredhi, Eta 8:15–26.