Kuberekwa naMwari, Kuberekwa Patsva Onawo Akaberekwa; Bhabhatidza; Kupinduka; Munhu weNyama; Vana vaKristu; Vanakomana neVanasikana vaMwari Kuve neMweya waIshe uchiita kuti munhu apinduke zvikuru kwazvo mumwoyo zvekuti haachisina kana shungu yekuita zvakaipa, asi angatoda kuita nekutsvaga zvinhu zvaMwari. Ndichaisa mweya mutsva mauri, Ezk. 11:19 (Ezk. 18:31; 36:26). Avo vanodaira muzita raKristu vakaberekwa, kwete neropa, asi naMwari, Joh. 1:12–13. Kunze kwekunge munhu aberekwa nemvura neMweya, haangapinde muumambo hwaMwari, Joh. 3:3–7. Tinogona kuberekwa patsva nezwi raMwari, â… Â Pet. 1:3–23. Ani nani zvake anoberekwa naMwari haazoramba ari muchitadzo, DJS, â… Â Joh. 3:9. Nokuti chose chiri chipi chinoberekwa naMwari chinokunda nyika, â… Â Joh. 5:4. Avo vanoberekwa naKristu vanobvumirana naMwari, Mosaya 3:19; 5:2–7. Vose vanhu vakafanira kuberekwa patsva; hongu, kuberekwa naMwari, Mosaya 27:25–26 (Aru. 5:49). Makaberekwa here mumweya naMwari? Aru. 5:12–19. Kana musina kuberekwa patsva, hamungagare nhaka yeumambo hwekudenga, Aru. 7:14. Ani nani anodaira mazwi angu achaberekwa neni, kana nemvura neMweya, D&Z 5:16. Makafanira kuberekwa patsva muumambo hwekudenga, Mos. 6:59.