Yambira, Yambiro Onawo Murindiri Kuzivisa kana kuchenjedza. Vaporofita, vatungamiri, nevabereki vanoyambira nokudzidzisa vamwe kuti vave vanoteerera kuna Ishe nekudzidzisa kwake. Jakobho akayambira vanhu vaNifai pamusoro perudzi rwose rwechivi, Jak. 3:12. Izwi reyambiro ndere kuvanhu vose, D&Z 1:4. Itai kuti kuparidza kwenyu kuve izwi rekuyambira, D&Z 38:41. Rino izuva rekuyambira, D&Z 63:58. Wose munhu akayambirwa akafanira kuyambira muvakadzani wake, D&Z 88:81. Ndakakuyambirai, ndikafanokuyambirai, nokukupai iri shoko reungwaru, D&Z 89:4.