Zororo Onawo Runyararo; Zuva reSabata Kuve nerunyararo nerusununguko kubva muzvinetswa nemhere-mhere. Ishe vakavimbisa zororo rakadaro kune vateveri vavo vane rutendo munguva yeupenyu huno. Akavagadzirirawo nzvimbo yezororo muupenyu hunotevera. Kuvepo kwangu kuchaenda nemi, ndichakupai zororo, Eks. 33:14. Uyai kwandiri, mose imi makaremerwa, ndizokupai zororo, Mat. 11:28–29. Takashanda kuti vapinde muzororo rake, Jak. 1:7 (VaH. 4:1–11). Ani zvake anotendeuka achapinda muzororo rangu, Aru. 12:34. Pakanga paine vakawanda zvikuru, avo vakaitwa vachena, vakapinda muzororo raIshe, Aru. 13:12–16. Paradiso inzvimbo yekuzororera, Aru. 40:12 (Aru. 60:13). Hakuna chakapinda muzororo ravo kunze kweavo vakasuka nhumbi dzavo muropa rangu, 3 Ni. 27:19. Taurai kutendeuka kuvanhu ava, kuti mugozorora navo muumambo hwaBaba vangu, D&Z 15:6 (D&Z 16:6). Avo vanofa vachazorora kubva kumabasa avo ose, D&Z 59:2 (Zvaka. 14:13). Zororo raIshe ndiko kuzara kwekubwinya kwavo, D&Z 84:24.