Hurumende Onawo Bumbiro remutemo Panodzoka Jesu Kristu, achamisa hurumende yehutsvene. Hurumende ichave pamapfudzi ake, Isa. 9:6 (2 Ni. 19:6). Ipai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, Mat. 22:21 (D&Z 63:26). Ivai pasi pemasimba epamusoro, VaR. 13:1. Namatirai madzimambo neavo vose vanotonga, â… Â Tim. 2:1–2. Ivai pasi pehutongi hwematunhu muteerere vatongi vamatare edzimhosva, Tito 3:1. Zvipirei kuchisungo chega-chega chemunhu kuitira Ishe, â… Â Pet. 2:13–14. Jesu Kristu achave ndiye mutongi wekupedzisira, Zvaka. 11:15. Ivai nevanhu vakarurama kuti vave madzimambo enyu, Mosaya 23:8. Itai basa renyu nesarudzo yevanhu, Mosaya 29:26. Kristu achave mutongi wedu paanouya, D&Z 41:4. Uyo anochengetedza mitemo yaMwari haana chaangatyorere mitemo yenyika, D&Z 58:21. Kana vakaipa vachitonga, vanhu vanochema, D&Z 98:9–10. Hurumende dzinodzikwa naMwari kuti zvibatsire vanhu, D&Z 134:1–5. Vanhu vanosungirwa kutsigira nokusimudzira hurumende, D&Z 134:5. Tinodaira kuti tigove pasi pemadzimambo, navatungamiri, vatongi, nevatongi vematare, Mis. yeCh. 1:12.