Upenyu Hwokusingaperi Onawo Dzikinura; Kubwinya kweSeresitiyaro; Ngundu; Rusimudzirwo; Upenyu Kugara narinhi semhuri pamberi paMwari (D&Z 132:19–20, 24, 55). Upenyu hwokusingaperi ndicho chipo chaMwari chikuru-kuru kumunhu. Une mazwi eupenyu hwokusingaperi, Joh. 6:68. Huno upenyu hwokusingaperi, kuti vakuzivei imi mega Mwari vechokwadi, uye Jesu Kristu, Joh. 17:3 (D&Z 132:24). Irwai kurwa kwakanaka kwerutendo, batai upenyu hwokusingaperi, â… Â Tim. 6:12. Vanhu vakasununguka kusarudza rusununguko neupenyu hwokusingaperi, 2 Ni. 2:27 (Hir. 14:31). Kuve nepfungwa yakafemerwa upenyu hwokusingaperi, 2 Ni. 9:39. Zvino muri mukanzira kamanika kanoenda kuupenyu hwokusingaperi, 2 Ni. 31:17–20. Kudaira muna Kristu nokutsungirira kusvika kumagumo upenyu hwokusingaperi, 2 Ni. 33:4 (3 Ni. 15:9). Uyo ane upenyu hwokusingaperi akapfuma, D&Z 6:7 (D&Z 11:7). Upenyu hwokusingaperi ndicho chikuru-kuru chezvipo zvose zvaMwari, D&Z 14:7 (VaR. 6:23). Vakarurama vachagashira runyararo munyika muno, uye upenyu hwokusingaperi munyika ichauya, D&Z 59:23. Avo vanotsungirira kusvika kumagumo vachawana ngundu yeupenyu hwokusingaperi, D&Z 66:12 (D&Z 75:5). Avo vanofa vasina vhangeri vari vangadai vakarigashira dai vakararama vagari venhaka yemukubwinya kweumambo hweseresitiyaro, D&Z 137:7–9. Basa raMwari nokubwinya kunounza kupfuura kusafa neupenyu hwokusingaperi kwemunhu, Mos. 1:39. Mwari vanopa upenyu hwokusingaperi kune vanoteerera, Mos. 5:11.