Hama Onawo Hanzvadzi; Munhu Sevana vaBaba vedu Vekudenga, vose varume nevakadzi vakoma nevanin’ina nehanzvadzi mumweya. MuChechi, nhengo dzechirume neshamwari dzeChechi vanodaidzwa vachinzi vakoma nevanin’ina. Kana mapindutswa, simbisai hama dzenyu, Ruka 22:32. Uyo asingadi hama yake agere murufu, â… Â Joh. 3:10–17. Fungai hama dzenyu sekuzvifunga kwamunoita imi, Jak. 2:17. Itai kuti wose munhu akudze hama yake sekuzvikudza kwaanoita iye, D&Z 38:24–25. Simbisai hama dzenyu mukutaura kwenyu kwose, D&Z 108:7.