Ishe Onawo Jesu Kristu; Mwari, Musoro hwehuMwari Zita rekuremekedza kwakadzama nokukudza Mwari Baba neMuponesi Jesu Kristu. Zita iri rinotaura nezvezvinzvimbo zvavo kuti zvikuru, vanatenzi vane rudo kuzvinhu zvavo zvavakasika. Hapana chakaomera kuna Ishe, Gen. 18:14. Ishe vakataura kuna Mosesi vakatarisana, Eks. 33:11. Muchada Ishe Mwari venyu, Deut. 6:5 (Mateo 22:37; Marko 12:30). Asi ini nemba yangu, tichashandira Ishe, Josh. 24:15. Ishe ndivo mufudzi wangu, Mpi. 23:1. Ishe vakasimba uye vanesimba, vanesimba muhondo, Mpi. 24:8. Ishe Jehova ndiye simba rangu, Isa. 12:2 (2 Ni. 22:2). Ini Ishe ndini Muponesi wako neMununuri vako, Isa. 60:16. Uchanamata Ishe Mwari vako, Mat. 4:10 (Ruka 4:8). Zvakakura sei zvinhu zvakaitwa naIshe, Marko 5:19. Kune mumwechete Ishe Jesu Kristu, â… Â VaKori. 8:6. Kuna Ishe vamwechete, rutendo rumwechete, rubhabhatidzo rwumwechete, VaE. 4:5. Ishe pachavo vachadzika kubva kudenga, â… Â VaT. 4:16. Ndichaenda uye ndigonoita zvinhu izvo zvandakataurirwa naIshe, 1 Ni. 3:7. Ishe vachatonga varombo nokururama, 2 Ni. 30:9. Ishe Mwari, Mwari vaAbrahama vakaburitsa vaIsraeri kubva muhusungwa, Aru. 29:11. Hapana chingaponise vanhu kunze kwekutendeuka nerutendo muna Ishe, Hir. 13:6 (Mosaya 3:12). Teererai kumazwi aJesu Kristu, Ishe venyu, D&Z 15:1. Tsvagai chiso chaIshe nguva dzose, D&Z 101:38. Ishe vachange vari vatsvuku muzvipfeko zvavo mukuuya kwavo kwechipiri, D&Z 133:48 (Isa. 63:1–4). Abrahama akataura naIshe vakatarisana, Abr. 3:11. Tinodaira kuti musimboti wekutanga wevhangeri rutendo muna Ishe Jesu Kristu, Mis. yeCh. 1:4.