Vana Onawo Dzikinura; Kudavira; Kuropafadzwa—Kuropafadzwa kwevana; Mhuri; Rubhabhatidzo rwepwere; Ruponeso—Ruponeso rwevana Munhu mudiki, asati asvika pekuputudza kana kushamba. Madzibaba nemadzimai anofanira kudzidzisa vana vavo kuteerera chido chaMwari. Vana havana chitema kudakara vasvika zera rekuzvifungira (Moro. 8:22; D&Z 68:27). Vana inhaka inobva kuna Ishe, Mpi. 127:3–5. Dzidzisai mwana munzira yaanofanira kuenda, Zir. 22:6. Regai vana vadiki, uye musavarambidze kuuya Kwandiri, Mat. 19:14. Teererai vabereki venyu, VaE. 6:1–3 (VaKoro. 3:20). Pasina kupunzika, Adama naEva vangadai vasina kuve nevana, 2 Ni. 2:22–23. Dzidzisai vana kufamba muchokwadi uye nekungwarira, Mosaya 4:14–15. Vana vadiki vane upenyu hwokusingaperi, Mosaya 15:25. Jesu akatora vana vadiki uye akavaropafadza, 3 Ni. 17:21. Vose vana venyu vachadzidziswa naIshe, uye runyararo rwevana venyu rwuchave rwukuru, 3 Ni. 22:13 (Isa. 54:13). Vana vadiki havadi rutendeuko kana rubhabhatidzo, Moro. 8:8–24. Vana vadiki vanosunungurwa kubvira pahwaro hwenyika kuburikidza newangu Mumwechete Akaberekwa, D&Z 29:46–47. Vabereki vakafanira kudzidzisa vana misimboti yevhangeri nekuitevedza, D&Z 68:25, 27–28. Vana vatsvene kuburikidza nerudzikinuro rwaKristu, D&Z 74:7. Vabereki vanoudzwa kuti vakudze vana vavo muchiedza nechokwadi, D&Z 93:40. Vana vanofa vasati vave zera rekuzvifungira vanoponeswa muumambo hweseresitiyaro, D&Z 137:10.