Basa reKushumira Onawo Paridza; Vhangeri Kugovera vhangeri raJesu Kristu neshoko nemufananidzo. Dzakanaka sei pagomo tsoka dzeuyo anoshambadza ruponeso, Isa. 52:7. Ndichaita zvose kutsvaka makwai angu, kudzitsvaga nokudzinongedza, Ezk. 34:11. Paridzai vhangeri kune chisikwa chose, Marko 16:15 (Morm. 9:22). Minda yachena yotoda kukohwehwa, Joh. 4:35. Uye vachaparidza sei, kunze kwekunge vatotumwa, VaR. 10:15. Vadzidzisei shoko raMwari nokushinga kwose, Jak. 1:19. Ishe vanopa kumarudzi ose kuti vadzidzise shoko ravo, Aru. 29:8. Vhangeri ringataurwe nevasina simba nevanhuwo zvavo, D&Z 1:23. Basa rinoshamisa rave pedyo kuuya, D&Z 4:1. Kana mukashanda mazuva enyu ose mukaunza mweya mumwechete kwandiri, kufara kwenyu kuchakura zvakadii, D&Z 18:15. Vangu vakasarudzwa vanonzwa izwi rangu vasingaomese mwoyo yavo, D&Z 29:7. Endai muchiparidza shoko rangu muri vaviri vaviri, D&Z 42:6. Ruzha rwakafanira kuenda rwuchibva panzvimbo ino, D&Z 58:64. Zururai miromo yenyu mukushambadza vhangeri rangu, D&Z 71:1. Shambadzai chokwadi maererano nezvakazarurwa nemirairo, D&Z 75:4. Wose munhu anenge ayambirwa akafanira kuyambira muvakidzani wake, D&Z 88:81 (D&Z 38:40–41). Ishe vachapa kumhuri dzeavo vanoparidza vhangeri, D&Z 118:3. Varanda vaMwari vachaenda, D&Z 133:38. Magosa akatendeka, pavanobva muupenyu hwekufa, vanoramba vachishanda, D&Z 138:57.