Zvibatsiro Zvekudzidza
Asiria


Asiria

Hutongi hwaibatanidza nyika dzakawanda yaikwikwidzana neBabironi, yaitonga matunhu ekare eSiria neFiristia munguva yose yemuTestamente yaKare. Kana dai zvazvo maAsiria vaive nesimba guru zvichiverengwa kubvira pakati penguva yezana remakore yechigumi nemaviri Kristu asati azvarwa kudakara mukupera kwenguva yezana remakore yechinomwe Kristu asati azvarwa, havana kumbokwanisa kuvaka zvematongerwo enyika zvakatsiga. Vaitonga nekutyisidzira, vachipwanya vavengi vavo nemoto kana nebakatwa kana kuvashaisa simba nekutakura chikamu chevamwe vavo vachinovaisa kune dzimwe nzvimbo dzemuumambo hwavo hukuru. Vanhu vavo vavaitonga havana kumborega kuve mhandu dzavo, kunyangwe zvazvo nzira yehutongi hwavo hwose yakange izere nekumukirwa kusingapere. (Ona Ⅱ Madz. 18–19; Ⅱ Mak. 32; Isa. 7:17–20; 10; 19; 37.)

Dhinda