Ziso Mumagwaro matsvene, ziso rinoshandiswa serupawo rwekuti munhu anogona kutambira chiedza chaMwari. Serupawo, ziso remunhu rinoratidzawo zvemweya nokunzwisisa zvinhu zvaMwari. Murairo waIshe wakachena, unopa chiedza kumaziso, Mpi. 19:8. Marema vane maziso asi havaone, Jer. 5:21 (Marko 8:18). Chiedza chemuviri iziso, Mat. 6:22 (Ruka 11:34; 3 Ni. 13:22; D&Z 88:67). Akaropafadzwa maziso enyu nokuti anoona, Mat. 13:16. Maziso ekunzwisisa kwenyu achajekeserwa, VaE. 1:17–18. Nhamo kune avo vanozviona vakangwara mumaziso avo, 2 Ni. 15:21 (Isa. 5:21). Vakatanga kutsanya nekunamata kuti maziso evanhu avhurike, Mosaya 27:22. Satani akapofomadza maziso avo, 3 Ni. 2:2. Hakuna angawane simba rekuunza Bhuku raMormoni kunze kweziso rakatarisana nekubwinya kwaMwari chete, Morm. 8:15. Nesimba reMweya maziso edu akavhurwa kunzwisisa kwedu kukajekeswa, D&Z 76:12. Chiedza chiri nemaari uyo anojekesa maziso enyu, D&Z 88:11. Kana ziso rako rikave rimwechete mukubwinya kwangu, miviri yenyu yose ichazadzwa nechiedza, D&Z 88:67.