Zvibatsiro Zvekudzidza
Mupirisita wePamusoro


Mupirisita wePamusoro

Nzvimbo iri muhupirisita. Magwaro matsvene anotaura nezve “mupirisita wepamusoro” nepaviri: (1) nzvimbo iri muHupirisita hwaMerkizedeki; uye (2) pasi pemurau waMosesi, anotarisa veHupirisita hwaAroni.

Pfungwa yekutanga inoreva Jesu Kristu seMupirisita wePamusoro mukuru. Adama nemadzibaba ose naivowo vakange vari vapirisita vepamusoro. Nhasi, vatatu vanotungamira vari vapirisita vepamusoro ndivo vanoita Hutungamiri hweChechi uye vachitungamirira vamwe vose vane hupirisita nenhengo dzeChechi. Vamwe varume vakakodzera pamusoro paivava vanogadzwa sevapirisita vepamusoro sekufanira kwazvo muChechi yose nhasi. Vapirisita vepamusoro vanogona kudaidzwa, vosimbiswa, uye vogadzwa semabhishopi (D&Z 68:19; 107:69–71).

Mupfungwa yechipiri, pasi pemurau waMosesi, anotungamira muHupirisita hwaAroni aidaidzwa kuti mupirisita wepamusoro. Nzvimbo iyi yaisiiranwa uye ichiuya nekudangwe mukati memhuri yaAroni, iye Aroni ari iye wekutanga mupirisita wepamusoro munhanho yaAroni (Eks. 28; 29; Rev. 8; D&Z 84:18).