Kuba Kutora chimwe chinhu kune mumwe nekunyengedza kana zvisiri mumurau. Ishe vagara vachiraira vana vavo kuti vasabe (Eks. 20:15; Mat. 19:18; 2 Ni. 26:32; Mosaya 13:22; D&Z 59:6). Zvigadzirirei upfumi kudenga, uko mbavha dzisingapaze kana kuba, Mat. 6:19–21. Kukundwa kwemaNifai kwakauya pamusana pekuzvikudza, upfumi, kupamba, kuba, Hir. 4:12. Uyo anoba asingade kutendeuka achatandirwa kunze, D&Z 42:20. Avo vanoba vachaendeswa kumurau wenyika, D&Z 42:84–85.