Rubatsiro Onawo Rudo; Ruyamuro Kuchengetwa kunopiwa kana basa rinoitirwa Mwari nevamwe. Mukushandira kwatinenge tichiitira vamwe, tinoshandirawo Mwari. Sarudzai zuva ranhasi amunoda kushandira, Josh. 24:15. Sekuita kwamunenge maitira mudiki-diki weava, munenge maitira ini, Mat. 25:35–45. Ipai miviri yenyu semupiro mupenyu, kunove ndiko kushandira kwenyu kwakakodzera, VaR. 12:1. Nerudo shandiranai, VaG. 5:13. Mazuva enyu achapedzerwa mukushandira Mwari venyu, 2 Ni. 2:3. Kana muri mukushandira vamwe venyu muri mukushandirawo Mwari venyu, Mosaya 2:17. Avo vanotora nyika yechivimbiso vakafanira kushandira Mwari kana kuti vanotsvairirwa uko, Eta 2:8–12. Avo vanoenda mukushandira Mwari vakafanira kushanda nemwoyo yavo yose, D&Z 4:2. Ishe vakapa mirairo kuti marudzi evanhu amude uye amushandire, D&Z 20:18–19. Muzita raJesu Kristu muchashandira Mwari, D&Z 59:5. Ini, Ishe, ndinofarira kukudza avo vanondishandira, D&Z 76:5. Namatai Mwari, nokuti ivo chete ndivo vamuchashandira, Mos. 1:15.