Nyika Onawo Baberi, Babironi; Pasi; Upenyu hwenyama Pasi; nzvimbo yekuedzwa kwevanhu venyama. Sekutaura, avo vanhu vasingateerere mirairo yaMwari. Upenyu hwenyama Munyika muchawana matambudziko, Joh. 16:33. Musatye kudakara kufa; nokuti munyika ino mufaro wenyu hauna kuzara, D&Z 101:36. Vanhu vasingateerere mitemo Ndicharanga nyika pamusana pekuipa kwavo, Isa. 13:11 (2 Ni. 23:11). Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti vakandivenga ini kare, Joh. 15:18–19. Zimba riya zidhandanda raive kuzvikudza kwenyika, 1 Ni. 11:36. Nyika iri kuibva mukusarurama, D&Z 18:6. Zvichengetei musina kusvibiswa nenyika, D&Z 59:9. Uyo ane rutendo uye agoshingirira achakunda nyika, D&Z 63:47. Hamuzogara netsika yenyika, D&Z 95:13. Kuguma kwenyika Ndinosika nyika itsva: yakare haizoyeukwa, Isa. 65:17 (Zvaka. 21:1; Mis. yeCh. 1:10). Mukuguma kwenyika ino, masawi achaunganidzwa opiswa mumoto, Mat. 13:40, 49 (Mara. 4:1; Jak. 6:3). Munda wangu wemizambiringa ndichaita kuti upiswe nemoto, Jak. 5:77 (D&Z 64:23–24). Ishe vachaparadza Satani nemabasa ake mukuguma kwenyika, D&Z 19:3. Nyika ichafa, asi ichamutswa zvakare, D&Z 88:25–26. Ishe vakaratidza Enoki kuguma kwenyika, Mos. 7:67.