Rufaro Onawo Anoteerera Chinhano chemufaro mukuru chinobva mukugara zvakarurama. Chinangwa cheupenyu hwenyama kuti vanhu vose vave nemufaro (2 Ni. 2:22–25). Rufaro ruzere rwunouya chete nekuna Jesu Kristu (Joh. 15:11; D&Z 93:33–34; 101:36). Vakapfava vachapamhidzirawo rufaro rwavo muna Ishe, Isa. 29:19 (2 Ni. 27:30). Ndinokuunzirai zvinhu zvakanaka zverufaro rukuru, Ruka 2:10. Rufaro rwenyu hakuna munhu anorwutora kwamuri, Joh. 16:22. Muchero weMweya rudo, rufaro, runyararo, VaG. 5:22. Muchero iwoyo wakazadza mweya wangu nerufaro rwakanyanya, 1 Ni. 8:12. Vanhu varipo kuti vawane rufaro, 2 Ni. 2:25. Rufaro rwevakarurama rwuchazara narinhi narinhi, 2 Ni. 9:18. Vangangogara naMwari mukufara kusingapere, Mosaya 2:41. Ndichasiya zvose zvandiinazvo kuti ndigashire rufaro rukuru urwu, Aru. 22:15. Zvimwe ndingangove mudziyo mumaoko aMwari wekuunza mumwe mweya mukutendeuka, uye uyu ndiwo mufaro wangu, Aru. 29:9. Mufaro here, nechiedza chinoshamisa sei chandakaona, Aru. 36:20. Mweya wangu uchazadza mweya wako nerufaro, D&Z 11:13. Kufara kwako kuchakura sei naye muumambo hwaBaba vangu, D&Z 18:15–16. Munyika muno rufaro rwako haruna kuzara, asi mandiri mufaro wako uzere, D&Z 101:36. Muupenyu huno ndichave nerufaro, Mos. 5:10–11.