MaNifai Onawo Bhuku raMormoni; MaRamani; Nifai, Mwanakomana waRihai Chikwata chevanhu muBhuku raMormoni, vazhinji vavo vaive zvizvarwa zvemuporofita Nifai, mwanakomana waRihai. Vakatsauka kubva kumaRamani uye vari vakanga vakarurama kazhinji kupfuura maRamani. Asika, mushure vakaparadzwa nemaRamani pamusana pehuipi. MaNifai akatsaukana nemaRamani, 2 Ni. 5:5–17. Vose avo vakanga vasiri maRamani vakanga vari maNifai, Jak. 1:13. MaNifai vakanga vachitunhwa nechikonzero chiri nani, Aru. 43:6–9, 45. MaNifai havana kumbofara kupfuura panguva yaMoronai, Aru. 50:23. MaNifai akaponeswa pamusana peminamato yevakarurama, Aru. 62:40. MaNifai akatanga kuderera mukutenda, Hir. 6:34–35. Jesu akadzidzisa akashumira pakati pemaNifai, 3 Ni. 11:1–28:12. Vose vakatendeukira kunaIshe vakanga vaine zvinhu zvose pamwechete, 4 Ni. 1:2–3. Pakanga pasina kupesana, rudo rwaMwari rwaigara mumwoyo yavo, uye vakanga vari ivo vanhu vaifara chose, 4 Ni. 1:15–16. MaNifai akatanga kudada nokuve vanhu vasina maturo, 4 Ni. 1:43. Ropa nokuparadza zvakapararira pamusoro penyika yose, Morm. 2:8. MaNifai akakura muhuipi uye Mormoni akaramba kuvatungamirira, Morm. 3:9–11. Vose maNifai, kunze kwemakumi maviri ane vana vakauraiwa, Morm. 6:7–15. Wose muNifai akange asingade kuramba Kristu aiuraiwa, Moro. 1:2. MaNifai vakaparadzwa pamusoro pekuipa nezvitadzo zvavo, D&Z 3:18. Chenjererai kudada nokutya kuti mungaite semaNifai, D&Z 38:39.