Mirairo yaMwari Onawo Anoteerera; Chitadzo; Mirairo, Ine gumi; Mutemo; Shoko raMwari Mitemo nezvinodiwa zvinopiwa naMwari kuvanhu, kune munhu mumwe kana pamwechete. Kuchengetedza mirairo kunounza maropafadzo aIshe kune vanoteerera (D&Z 130:21). Noa aiita zvose sekurairwa kwaaiitwa naMwari, Gen. 6:22. Famba uri mumutemo wangu, uye uchengetedze mirairo yangu, Rev. 26:3. Chengetedza mirairo yangu, uye urarame, Zir. 4:4 (Zir. 7:2). Kana imi muchindida, chengetedzai mirairo yangu, Joh. 14:15 (D&Z 42:29). Chose chiri chii chatinokumbira, tinochitambira kwaari, nokuti tinochengetedza mirairo yake, â… Â Joh. 3:22. Mirairo yake haireme, â… Â Joh. 5:3. Musatsukunyuke mukuchengetedza mirairo, 1Â Ni. 2:10. Ishe haape mirairo kunze kwekunge agadzira nzira, 1Â Ni. 3:7. Ndakafanira kuita maererano nechaizvo chaizvo zvinotaurwa naMwari, Jak. 2:10. Mukuchengetedza kwamunoita mirairo yangu, muchabudirira munyika, Jar. 1:9 (Aru. 9:13; 50:20). Dzidzai muri vadiki kuchengetedza mirairo yaMwari, Aru. 37:35. Iyi mirairo ndeyangu, D&Z 1:24. Nzverai mirairo iyi, D&Z 1:37. Avo vasingachengetedze mirairo havangaponeswe, D&Z 18:46 (D&Z 25:15; 56:2). Mirairo yangu ndeye mweya; haisi yenyama kana yenguva pfupi, D&Z 29:35. Mirairo inopiwa kuti tinzwisise chido chaIshe, D&Z 82:8. Handizive, kunze kwekunge Ishe andiudza, Mos. 5:6. Ishe achaedza vanhu kuona kuti vanoita here zvose zvaanovaudza, Abr. 3:25.