Kristu (izwi rechiGiriki) naMesia (izwi rechiHeberu) zvinoreva “akazodzwa.” Jesu Kristu ndiye Dangwe raBaba mumweya (VaH. 1:6; D&Z 93:21). Ndiye Mumwechete Akaberekwa waBaba munyama (Joh. 1:14; 3:16). Ndiye Jehova (D&Z 110:3–4) akafanogadzwa mukudaidzwa kwake kukuru-kuru kusati kwave nekusikwa kwenyika. Ari pasi pekutungamira kwaBaba, Jesu akasika nyika nezvose zviri pairi (Joh. 1:3, 14; Mos. 1:31–33). Akaberekwa kuna Maria kuBetrehema, akagara upenyu husina chitadzo, uye akaitira rudzikinuro rwakakwana rwezvitema zvemarudzi ose nokudeura ropa rake nokupa upenyu hwake pamuchinjikwa (Mat. 2:1; 1 Ni. 11:13–33; 3 Ni. 27:13–16; D&Z 76:40–42). Akamuka kuvakafa, kuri kusimbisa kuzomuka kuvakafa kwevanhu vose. Kuburikidza nerudzikinuro rwaJesu nekumuka kuvakafa, avo vanotendeuka kuzvitadzo zvavo vachiteerera mirairo yaMwari vanogona kugara zvisingaperi naJesu naBaba (2 Ni. 9:10–12; 21–22; D&Z 76:50–53, 62).
Jesu Kristu ndiye mukuru-kuru kuzvarwa pano pasi. Upenyu hwake mufananidzo wakakwana wekuti marudzi evanhu akafanira kugara sei. Yose minamato, maropafadzo, nezvisungo zvehupirisita zvakafanira kuitwa muzita rake. Ndivo Ishe vemadzishe, Mambo vemadzimambo, Musiki, Muponesi, naMwari wepasi pose.
Jesu Kristu achauya zvakare musimba nokubwinya kuzotonga panyika munguva yeMereniamu. Pazuva rekupedzisira, achatonga marudzi ose (Aru. 11:40–41; JS—Mat. 1).
Pfupiso yeupenyu hwake (zvichitevedza maitikiro azvo)
Kurarama kwaKristu Asati Azvarwa paNyama
Kutonga paMereniari kwaKristu
Kutora Zita raJesu Kristu paTiri
Kuwonekwa kwaKristu mushure mekufa
Marudzi kana mucherechedzo waKristu
Muyenzaniso waJesu Kristu
Uchapupu hwakaitwa nezvaJesu Kristu
Zviporofita nezvekuzvarwa uye nerufu rwaJesu Kristu