Gakava Onawo Hupanduki Bopoto, kuitirana nharo, kusawirana. Gakava kunyanya pakati penhengo dzeChechi yaIshe kana pakati penhengo dzemhuri, hazvifadze kuna Ishe. Ngaparege kuve nebopoto pakati pangu newe, Gen. 13:8. Kudada kunokonzera bopoto, Zir. 13:10. Kana munhu upi zvake akakakavadzana nemumwe upi zvake, regererai sezvo Kristu akaregerera, VaKoro. 3:13. Nzvengai mibvunzo isina maturo negakava, Tito 3:9. Ishe vanoudza vanhu kuti vasakakavadzane, 2 Ni. 26:32. Hamuzobvumira vana venyu kurwa nokukakavadzana nevamwe, Mosaya 4:14. Aruma akataura kuti kusave nekukakavadzana pakati penhengo dzeChechi, Mosaya 18:21. Satani anoparadzira makuhwa negakakava, Hir. 16:22. Dhiabhorosi ndiye baba wegakava uye anopesvera vanhu kuti vakakavadzane, 3 Ni. 11:29 (Mosaya 23:15). Misai vhangeri rangu, kuti kusavepo kukakavadzana kwakanyanya, D&Z 10:62–64. Regai kukakavadzana nevamwe, D&Z 136:23.