Muti wemuOrivhi Onawo Israeri; Mafuta Muti wakawanda muIsraeri uri chinhu chakakosha mukurima munyika dzeBhaibheri. Unorimirwa kuve mapuranga, muchero, nemafuta. Muti wemuorivhi unoshandiswa kazhinji mumagwaro matsvene kufananidza imba yaIsraeri. Imba yaIsraeri inoenzaniswa nemuti wemuOrivhi uyo une mapazi atyoka ndokupararira, 1 Ni. 10:12 (1 Ni. 15:12). Ishe vakaenzanisa imba yaIsraeri kumuti wemuorivhi wakasimwa, Jak. 5–6. Joseph Smith akadaidza kuzarurirwa kuri muchikamu 88 shizha remuorivhi, D&Z 88:musoro wenyaya. Murume anoremekedzwa akataurira varanda vake kuti vaende mumunda wake wemizambiringa uye vadyare miti yemiorivhi gumi nemiviri, D&Z 101:43–62.